Skip to content
Scan a barcode
Scan
Paperback Shamhu Yezera Renyu [Shona] Book

ISBN: 1914287118

ISBN13: 9781914287114

Shamhu Yezera Renyu [Shona]

Shamhu yeZera Renyu iyeuchidzo yekuti; shamhu kana bazi remuti raunomhara pariri ndiro rinokupa muono wezera rako maringe nekuti rakatunhumara zvakadini Ichokwadi kuti shiri inomhara pashamhu kana pamufaro wakaringana nayo. Mubhuku iri Memory Chirere anoshandisa chidavado chekutevera nyaya sasarungano. Mune tunzendo nekupemhena; kukwira nekudzika nekuzvongonyoka uchitsvaga pekubuda kana pekupinda napo... Kutsvaga kuti zvose zvinouya pamunhu zvakatangira kupi? Kwozoita izwi remupfuurinenzira ari kuona asi iye asingaonekwe -Robert Masunga, Lecturer, Birmingham, UK
Nhetembo dzaVaChirere dzinondiyeuchidza mbira nyunganyunga yandinoridza. Nyunganyunga yaridzwa kwemakore mazhinji zvekuti ungatofunga kuti hapana chimwe chitsva chingaitwe nayo. Ine mazino mashoma, ukapusa hauna zvizhinji zvaunoridza pairi. Saka zvinoda unyanzvi neumhizha sehwaVaChirere kuita zvishamiso uchishandisa chinhu chemazuva ese kudai.-Hope Masike, Gwenyambirakadzi, The Sunday Mail, Zimbabwe
Mubhuku rake rino renhetembo rechipiri kubva pana Bhuku Risina Basa, Memory Chirere ari kuenda mberi nekutitora mapikicha achishandisa mazwi. Tinozviona nokuti tiri vanhu vari kurarama munguva imwechete naye. -Prof Ruby Magosvongwe, University of Zimbabwe


Recommended

Format: Paperback

Condition: New

$15.56
Ships within 2-3 days
Save to List

Related Subjects

Poetry

Customer Reviews

0 rating
Copyright © 2026 Thriftbooks.com Terms of Use | Privacy Policy | Do Not Sell/Share My Personal Information | Cookie Policy | Cookie Preferences | Accessibility Statement
ThriftBooks® and the ThriftBooks® logo are registered trademarks of Thrift Books Global, LLC
GoDaddy Verified and Secured