Skip to content
Scan a barcode
Scan
Paperback Mafuta Enguruve [Shona] Book

ISBN: 1914287576

ISBN13: 9781914287572

Mafuta Enguruve [Shona]

MAFUTA ENGURUVENdiani chaizvo anourauya Maisva? Ko sei mhondi ichisiya mari yaMaisva yakadaro iyo yakawanda kudaro iyo mhondi isina kana mari? Chiiko chiri kumboitika? Zviri pachena kuti Mafuta Enguruve inyaya yeutikitivha isina matikitivha pose pose. Inenge inozvitikitivha yega kubva pakutanga kusvika mapurisa vazopinda. Mhondi yacho haisi mhondi chaiyo chaiyo... nokuti inotove nebanga rainoshandisa kuveza migoti yakaisvonaka zvokuti vamwe vana amai vanoichemera kunge siwiti. Banga iroro rine mhere. Hakuna asingarirumbidze. Manyorero aTrust Mutekwa ari pano akafanana nekudhirowa. Nyaya haimhanye sebhiza nokuti Mutekwa anenge achidhirowa vanhu nenyika zvakadzika dzika zvamusati mamboona munovhero reShona. Unonzwa zvonzi: "Masamba akaradzika meso ake mumugwagwa waibva pazvitoro wakananga kumavirira. Akaurega wopota neseri kweziware uchinonyura mudondo reDzimidza. Akabva ayeva riya ziware rekuviga mugwagwa. Pamusoro paro paiva nemiti isina kunyanya kuwanda. Paivawo nemafuri nematombo machena nematsvuku ekuti kana uri chinhambwe, zvairatidzika semakwai akazorora zvawo nembudzi... Masamba akaita dzimwe nhanho shoma ndokumbomira zvekare achiteerera mushana seshato pakati pegura. Chaingofamba ndiwo meso aiva zvino adzoswa kusvika ave padundundu pake. Marara emugoti waaiveza akanga asiti nyirinyiti kubva padundundu achidzika nedumbu. Akaumba pfuko nematama ndokubva avhutira Nyamavhuvhu. Marara akabva ati dzvamu...Memory Chirere, University of Zimbabwe Mafuta Enguruve, handiti ndiwo anokanga nyama kusvika yatsvukirira Nekuku achinzi anokanga iyo nguruve yacho mbune Paucharava nyayanyorwa yaTrust Mutekwa uchatekwaira uchitsvaka panopisa pemafuta enguruve nepachapisa mafuta enguruve. Nekuno uchitsvakazve pachakangwa nyama nemafuta enguruve ichitsvukirira zvekurwerwesa rute nepachakangwa iyo nguruve mbune nemafuta ayo. Munganonyorwa yaTrust Mutekwa yokutanga ino anosiira zvake kuti muravi aite kafiramberi. Ndiyaniwo zvake angachenese Dyiwa pazororo raMaisva ivo vaive katsi nagonzo pakugarisana kwavo? Kanapo angafungire kuti Masamba ainge asiyana musango reDzimidza Nyorwa yakarukwa zvokuti muravi anoona mipikicha yakaurungudwa namazwi ichiyanika firimu mupfungwa nemuhana. Zvinongosara zvoti dai wangochivhurawo mapeji enyorwa ino wazvionera panopisa nepanopiswa nemafuta enguruve ichizvikanga kana kukanga nyama.Tinashe Muchuri, munyori nemuturikiriApa pakashandwa. Ndanga ndave nenguva refu ndisati ndasangana nenovhero reShona rinondigarisa pasi seizvi.Ignatius T Mabasa, munyori, sarungano nemuturikiri

Recommended

Format: Paperback

Condition: New

$16.47
Ships within 2-3 days
Save to List

Customer Reviews

0 rating
Copyright © 2026 Thriftbooks.com Terms of Use | Privacy Policy | Do Not Sell/Share My Personal Information | Cookie Policy | Cookie Preferences | Accessibility Statement
ThriftBooks ® and the ThriftBooks ® logo are registered trademarks of Thrift Books Global, LLC
GoDaddy Verified and Secured