Skip to content
Scan a barcode
Scan
Paperback Hanzi Huchi Hwenduri - Kubva Mukati Kati [Shona] Book

ISBN: 1914287878

ISBN13: 9781914287879

Hanzi Huchi Hwenduri - Kubva Mukati Kati [Shona]

Kuverenga matetembo ano kwakafanana nekufa uchimuka. Uchifa uchimuka zvakare. Unoita seuri kuteerera izwi reshamwari yawaiziva kare kare mabwe achiri manyoro, asi nhasiyazodzoka yave baba vababa vababa vako paudzamu. Ndadaro nekuti muna Huchi Hwenduri tiri kurairwa tisina kubvisa mari yechikoro neyebhondingi neyeruvako. Pano hapana ari kukumanikidza kumhanya kana kugara pasi. Kana kukwira mumuti. Asi ukatanga kuverenga zviri pano, unotanga kuoneswa kuti, "wechida chiro, juruja nemwero." Pamwe pacho woonawo wega kuti, "zvimwewo chingoti dongo dongo, kudongorera," kuti zvifambe. Nguva inogonaka "kupera uchipedza nguva " Matetembo aya andifadza nekuti anoziva kuti ndiri munhuwo mukuru asingade kuudzwa zvekuita. Ndiri kungoyeuchidzwa zvekuita. Ndiri kuratidzwa zvinangwa zvandaive nazvo kuti ndirambe ndiripo. Mutauro uri pano wakapfava senyama yemhuru zvekuti iwe ingouya nemoto nemunyu chete. Zvino pano zvapaita huchi pasina nyuchi, uchati chakutadzisa kunomborawo sevana vevamwe chii? Mudetembi wedu, Ushehwedu Kufakurinani haasi munhu wekutamba naye Memory Chirere, University of Zimbabwe

Recommended

Format: Paperback

Condition: New

$16.47
Ships within 2-3 days
Save to List

Customer Reviews

0 rating
Copyright © 2026 Thriftbooks.com Terms of Use | Privacy Policy | Do Not Sell/Share My Personal Information | Cookie Policy | Cookie Preferences | Accessibility Statement
ThriftBooks® and the ThriftBooks® logo are registered trademarks of Thrift Books Global, LLC
GoDaddy Verified and Secured